Svoboda | Graniru | BBC Russia | Golosameriki | Facebook

Accessibility links

Breaking News

America Yopa Maonero Ayo Pakutyorwa KweKodzero dzeVanhu Munguva yeHondo


FILE - U.S. Ambassador to the U.N., Linda Thomas-Greenfield, attends a meeting of the U.N. Security Council on "Effective multilateralism through the defense of the principles of the Charter of the United Nations," at the U.N. headquarters in New York, U.S., April 24, 2023.
FILE - U.S. Ambassador to the U.N., Linda Thomas-Greenfield, attends a meeting of the U.N. Security Council on "Effective multilateralism through the defense of the principles of the Charter of the United Nations," at the U.N. headquarters in New York, U.S., April 24, 2023.

Mashoko anotevera anotaura pamire hurumende yeAmerica panyaya yekumbunyikidzwa nekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika dzinenge dziine hondo. Mugore radarika, panga paine hondo dzinosvika zana munyika dzakasiyana siyana.

Izvi zviri mugwaro rakaburitswa mwedzi wapera neUnited Nations. Sezvo hondo idzi dzichigona kupedza makore makumi matatu dzisina kugadziriswa, vanhu vanoomerwa zvakanyanya. Muna 2022, United Nations inoti vanhu vanoda kusvika zviuru gumi nezvinomwe kana kuti 17,00 vakafa muhondo chinova chikamu chakawedzerwa nezvikamu makumi mashanu nematatu kubva muzana kana kuti 53% muna 2021.

Mumiriri weAmerica kuUnited Nations Amai Linda Thomas-Greenfield vanoti muUkraine chete, United Nations inoti vanhu zviuru zvisere vakafa kunyangwe zvichifungidzirwa kuti huwandu uhu hunogona kunge hwakadarika apa. Vanoti kufa kwevanhu ava mabasa eRussia yakatanga kurwisa Ukraine isina kana kudenhwa. Amai Thomas-Greenfield vanotiwo hondo iyi yakanganisa hupenyu hwemamiriyoni evanhu mune dzimwe nyika vasisina zvekudya. V

anoti Russia iri kushandisa chikafu sechombo chehondo zvosiya vakawanda vachiziya nenzara. Amai Thomas-Greenfield vatiwo zvakakosha kubatsira vanhu vamanikidzwa kuenda muhupoteri nekuda kwehondo iyi. Vanhu vanodarika zana remamiriyoni kana kuti 100 milliobn vamanikidzwa kuenda muhupoteri nekuda kwehondo munyika dzakaita seBurkina Faso, Somalia, Burma neUkraine. United Nations iri kuyambirawo kuti kurwisana kuri muSudan kunogona kusiya vamwe vanhu vanosvika miriyoni imwe chete vasina pekugara.

Amai Thomas-Greenfield vanoti zvakakosha kuti vanhu vaite mushandirapamwe kuti vanhu vasarasikirwe nehupenyu kana kufa nenzara. Vatiwo zvakakosha kuziva kuti chikafu chinenge chapihwa vanhu chisvike kwevari. Vati dzimwe nguva vanenge vachirwisana vanoramba kuti vanhu vapihwe chikafu kana kuti vanouraya vanenge vachiedza kupa vanhu chikafu.

Gore rapera, vanhu vanopa rubatsiro mazana maviri nemakumi mashanu kana kuti 250 kusanganisira vakoti navanachiremba vakaurayiwa, vamwe vakakuvadzwa, kurohwa kana kupambwa. Kupambwa kwevanoita zvehutano kunonzi kuri kuenderera mberi. Vati kuuraya kana kukuvadza vanenge vachida kupa rubatsiro kutyora mutemo wakanyoreranwa nenyika dzepasi rose uye kunofanira kushorwa nenyika dzose.

Amai Thomas-Greenfield vanoti zvakakosha kuti vanhu vaite mushandirapamwe kuona kuti kodzero dzevanhu hadzityore munyika dzine hondo. Vaendererawo mberi vachiti vanhu vanofanira kuratidza kunzwisisa kwavo kune vanenge vachishungurudzwa. Vatiwo vanhu vanofanira kuita zvopse zvavanogona kuderedza marwadzo kune vanenge vachitambura uye kuyedza kuuya namzana anounza runyararo uye remangwana risina anombunyikidza mumwe.

Aya mashoko anotaura pamire hurumende yeAmerica panyaya yekushungurudzwa kwevanhuwo zvavo munnyika dzine hondo.

XS
SM
MD
LG